English

Ndebele

CHIRONGWA CHEALLEX

ALLEX izita remudimurirwa rinomirira chirongwa chinonzi African Languages Lexical Project.

Zvinangwa zveALLEX

ˇ Kuti vanhu vemuZimbabwe vave nemaduramazwi (madhikishinari) nezvimwevo zvinyorwa zvinobatsira kukurudzira kushandiswa kwemitauro yezvizvarwa zvemuno munyika.

ˇ Kudzidzisa nyanzvi dzezvemitauro dzenyika yeZimbabwe dziri payunivhesiti yeZimbabwe kuti dzive neruzivo rwemanyorewo anoitwa maduramazwi uye ruzivo rwezvemarongerwo emashandisirwo angaitwa mitauro munyika.

ˇ Kugadzira hwaro hwekuti payunivhesiti yeZimbabwe patangwe muzinda vezvidzidzo zvekunyorwa kwamaduramazwi uye zvidzidzo zvekurongwa kwemashandisirwo emitauro munyika dziri kuchamhembe kweAfrica.

ˇ Kuti mayunivhesiti ose ari muchirongwa cheALLEX akurudzire tsvagurudzo dzinosimudzira zvidzidzo zvemanyorerwo emaduramazwi, zvidzidzo zvemitauro yemuAfrica uye zvidzidzo zvekuongorora mitauro.

Marongerwo echirongwa cheALLEX

Chirongwa cheALLEX ndechemushandirapamwe pakati peyunivhesiti yeOslo neyunivhesiti yeZimbabwe uye chinorongwa nekupihwa mari pasi pechibvumirano cheNUFU(Project 28/96) Yunivhesiti yeGothernburg yakapindawo muchirongwa cheALLEX muna 1992. Sezvo uri mushandirapamwe uri pasi peNUFU chirongwa cheALLEX ndechebudiriro pakati pemapato akaenzana ayo anofanira kunge achivana zvakaenzana mukushanda pamwe uku.

Nhengo DzeALLEX

ˇ Bazi reScandinarvian Studies and Comparative Literature reyunivhesiti yeOslo kuNorway uyewo chirongwa cheNorwegian Documentation Project.

ˇ Bazi reAfrican Languages and Literature repayunivhesiti yeZimbabwe.

ˇ Bazi reSwedish reyunivhesiti yeGothernburg kuSweden.

Hurongwa

Chirongwa cheALLEX chiri muzvikamu zvina. Chikamu chega chega chinotarisirwa kuburitsa duramazwi rimwe chete kana kudarika.

ˇ Chikamu chekutanga chaivako kubva muna1992 kusvika 1995

Chakaburitsa Duramazwi reChiShona.

Kwakagadzirwa denhe ramashoko. Denhe ramashoko iri rakaumbwa nezvinyorwa zvendudzi dzakasiyana-siyana uye zvitaurwa zvakatapwa mumatunhu ose anotaurwa Shona muZimbabwe. Denhe ramashoko iri rine mashoko anosvika mamirioni 1.2 ari mukombiyuta ayo anoshandiswa mukutsvaga mazwi ekuumba maduramazvi uye dzimwewo tsvagurudzo dzakasiyana-siyana.

" Chikamu Chechipiri Chakatanga 1996 chichizopera muna 2000

Chinotarisirwa kubuditsa Duramazwi reChiNdevere

Chikamu ichi chiri kuumba denhe ramashoko ramashoko rinenge riine zvinyorwa zvendudzi dzakasiyana-siyana uye zvitaurwa zvakatapwa mumatunhu ose anotaurwa ChiNdevere muZimbabwe.

Duramamwi reChiShona rezvidzidzo zvapamusoro

Muchikamu ichi pachapamhidzirwa zvimwe zvinyorwa nezvitaurwa kupamhidzira padenhe ramashoko rakaumbwa muchikamu chekutanga kusvika mashoko asvika mamiriyoni mairi.

" Chikamu Chechitatu Chichatanga 2001 kusvika 2005

Duramazwi reChiShona rinoshandiswa nevadzidzi vemabhuku epasi

Duramazvi reChiNdevere rezvidzidzo zvepamusoro.

" Chikamu Chechina: 2006 kusvika 2009

Duramazwi ReChiNdevere rinoshandiswa nevadzidzi vemabhuku epasi

Mamwevo maduramazwi emitauro yezvizvarwa zvemuZimbabwe isiri ChiShona kana ChiNdevere.

Pane hurongwa hwekuti madhatabhesi (denhezivo) emaduramazwi ataurwa pamusoro achazoumba hwaro hwekugadzira mamwezve maduramazvi ndudzi dzakasiyana anosanganisa anoshandiswa mumabasa akasiyana semuenzaniso yekuti duramazwi rezvemitemo, rezvekurapa rezvekurima nemamwevo. Mamwevo maduramazwi anogona kunyorwa zvichibva mumadhatabhesi ataurwa ndeaya angashandiswa nevanonetseka muzvidzidzo zvavo pamusana pokuremara. Dzimwe ndudzi dzemaduramazwi aya ndedzinotevera:

Duramazwi remashoko ezvemimhanzi.

Duramazwi remashoko anoshandiswa muongororo yemaumbirwo emitauro.

Duramazwi remashoko anoshandiswa muongoro yenyanonyorwa.

Duramazwi remifananidzo rinoshondiswa nevasingatauri riine ChiShona ChiNdevere neChiRungu.

Maduramazwi anoshandiswa mune zvesainzi nemamwe mabasa akasiyana-siyana ane mitauro isingashandiswi neveruzhinji.

Maduramazwi anopa mashoko nemumwe mutauro otsanangudzwa nemumwe.

Semienzaniso:ChiShona kuenda kuChiNdevere, ChiNdevere kuenda kuChiShona, ChiShona neChiNdevere kuenda nekubva kune mimwe mitauro yakaita seChiRungu, . . ChiFrench, ChiSwahili neChiChewa.

 

CHIRONGWA CHEALLEX

The ALLEX Project

   

ALLEX izita remudimurirwa rinomirira chirongwa chinonzi African Languages Lexical Project.

 

ALLEX is an acronym for the African Languages Lexical Project

Zvinangwa zveALLEX

The aim of ALLEX

ˇ Kuti vanhu vemuZimbabwe vave nemaduramazwi (madhikishinari) nezvimwevo zvinyorwa zvinobatsira kukurudzira kushandiswa kwemitauro yezvizvarwa zvemuno munyika.

to provide the population of Zimbabwe with dictionaries and other language tools for the African languages used in the country.

ˇ Kudzidzisa nyanzvi dzezvemitauro dzenyika yeZimbabwe dziri payunivhesiti yeZimbabwe kuti dzive neruzivo rwemanyorewo anoitwa maduramazwi uye ruzivo rwezvemarongerwo emashandisirwo angaitwa mitauro munyika.

to train Zimbabwean linguists at the University of Zimbabwe as lexicographers and practical language planners

ˇ Kugadzira hwaro hwekuti payunivhesiti yeZimbabwe patangwe muzinda vezvidzidzo zvekunyorwa kwamaduramazwi uye zvidzidzo zvekurongwa kwemashandisirwo emitauro munyika dziri kuchamhembe kweAfrica.

to lay the foundation for a centre for lexicography and language planning for the native languages of Southern Africa, placed at the University of Zimbabwe

ˇ Kuti mayunivhesiti ose ari muchirongwa cheALLEX akurudzire tsvagurudzo dzinosimudzira zvidzidzo zvemanyorerwo emaduramazwi, zvidzidzo zvemitauro yemuAfrica uye zvidzidzo zvekuongorora mitauro.

 

to improve research opportunities in lexicography, African languages and linguistics generally at all participating universities

Marongerwo echirongwa cheALLEX

ALLEX Project Organization

Chirongwa cheALLEX ndechemushandirapamwe pakati peyunivhesiti yeOslo neyunivhesiti yeZimbabwe uye chinorongwa nekupihwa mari pasi pechibvumirano cheNUFU(Project 28/96) Yunivhesiti yeGothernburg yakapindawo muchirongwa cheALLEX muna 1992. Sezvo uri mushandirapamwe uri pasi peNUFU chirongwa cheALLEX ndechebudiriro pakati pemapato akaenzana ayo anofanira kunge achivana zvakaenzana mukushanda pamwe uku.

 

The ALLEX Project is a joint cooperative project between the Universities of Oslo and Zimbabwe, organized and financed under the NUFU agreement (Project nr 28/96). The University of Gothenburg has also participated in the ALLEX Project from the start in 1992. As in all NUFU projects, the concept is that ALLEX should be a development project between equal partners, all of whom benefit from the co-operation.

Nhengo DzeALLEX

The partners in the ALLEX Project

   

ˇ Bazi reScandinarvian Studies and Comparative Literature reyunivhesiti yeOslo kuNorway uyewo chirongwa cheNorwegian Documentation Project.

Department of Scandinavian Studies and Comparative Literature, University of Oslo, Norway (with partisipation from The Norwegian Documentation Project)

ˇ Bazi reAfrican Languages and Literature repayunivhesiti yeZimbabwe.

Department of African Languages and Literature, University of Zimbabwe, Zimbabwe

ˇ Bazi reSwedish reyunivhesiti yeGothernburg kuSweden.

 

Department of Swedish, University of Gothenburg, Sweden

Hurongwa

Time Schedule

Chirongwa cheALLEX chiri muzvikamu zvina. Chikamu chega chega chinotarisirwa kuburitsa duramazwi rimwe chete kana kudarika.

The ALLEX Project was planned as a project in four phases, each of which would result in publication of one or more monolingual dictionaries:

ˇ Chikamu chekutanga chaivako kubva muna1992 kusvika 1995

Phase 1 1992 - 1995

Chakaburitsa Duramazwi reChiShona.

General Shona Dictionary: Duramazwi reChiShona

Kwakagadzirwa denhe ramashoko. Denhe ramashoko iri rakaumbwa nezvinyorwa zvendudzi dzakasiyana-siyana uye zvitaurwa zvakatapwa mumatunhu ose anotaurwa Shona muZimbabwe. Denhe ramashoko iri rine mashoko anosvika mamirioni 1.2 ari mukombiyuta ayo anoshandiswa mukutsvaga mazwi ekuumba maduramazvi uye dzimwewo tsvagurudzo dzakasiyana-siyana.

Corpus of spoken Shona (ca 1.2 mill words)

Chikamu Chechipiri Chakatanga 1996 chichizopera muna 2000

Phase 2 1996 - 1999 (running into year 2000)

Chinotarisirwa kubuditsa Duramazwi reChiNdevere

General Ndebele Dictionary

Chikamu ichi chiri kuumba denhe ramashoko ramashoko rinenge riine zvinyorwa zvendudzi dzakasiyana-siyana uye zvitaurwa zvakatapwa mumatunhu ose anotaurwa ChiNdevere muZimbabwe.

Corpus of spoken and written Ndebele (number of words)

Duramamwi reChiShona rezvidzidzo zvapamusoro

Advanced Shona Dictionary

Muchikamu ichi pachapamhidzirwa zvimwe zvinyorwa nezvitaurwa kupamhidzira padenhe ramashoko rakaumbwa muchikamu chekutanga kusvika mashoko asvika mamiriyoni mairi.

Corpus of spoken and written Shona (expanded to 2 mill words)

Chikamu Chechitatu Chichatanga 2001 kusvika 2005

Phase 3 2001 - 2005

Duramazwi reChiShona rinoshandiswa nevadzidzi vemabhuku epasi

Scholar's Shona Dictionary (junior level)

Duramazvi reChiNdevere rezvidzidzo zvepamusoro.

Advanced Ndebele Dictionary

Chikamu Chechina: 2006 kusvika 2009

Phase 4 2006 - 2009

Duramazwi ReChiNdevere rinoshandiswa nevadzidzi vemabhuku epasi

Scholar's Ndebele Dictionary (junior level)

Mamwevo maduramazwi emitauro yezvizvarwa zvemuZimbabwe isiri ChiShona kana ChiNdevere.

General dictionaries for other Zimbabwean Languages

Pane hurongwa hwekuti madhatabhesi (denhezivo) emaduramazwi ataurwa pamusoro achazoumba hwaro hwekugadzira mamwezve maduramazvi ndudzi dzakasiyana anosanganisa anoshandiswa mumabasa akasiyana semuenzaniso yekuti duramazwi rezvemitemo, rezvekurapa rezvekurima nemamwevo. Mamwevo maduramazwi anogona kunyorwa zvichibva mumadhatabhesi ataurwa ndeaya angashandiswa nevanonetseka muzvidzidzo zvavo pamusana pokuremara. Dzimwe ndudzi dzemaduramazwi aya ndedzinotevera:

Other projects, in order of priority

From the initial, general dictionaries, which are stored as databases, it will be possible to develop dictionaries for special language, for special educational needs, and bilingual dictionaries.

Duramazwi remashoko ezvemimhanzi.

Glossary of musical terms

Duramazwi remashoko anoshandiswa muongororo yemaumbirwo emitauro.

Duramazwi remashoko anoshandiswa muongoro yenyanonyorwa.

Glossary of linguistic and literary terms

Duramazwi remifananidzo rinoshondiswa nevasingatauri riine ChiShona ChiNdevere neChiRungu.

Glossary of ZimSign with glosses in Shona, Ndebele and English

Maduramazwi anoshandiswa mune zvesainzi nemamwe mabasa akasiyana-siyana ane mitauro isingashandiswi neveruzhinji.

Glossaries of science and technical fields of knowledge

Maduramazwi anopa mashoko nemumwe mutauro otsanangudzwa nemumwe.

Semienzaniso:ChiShona kuenda kuChiNdevere, ChiNdevere kuenda kuChiShona, ChiShona neChiNdevere kuenda nekubva kune mimwe mitauro yakaita seChiRungu, . . ChiFrench, ChiSwahili neChiChewa.

Bilingual dictionaries (e. g. Shona-Ndebele/Ndebele-Shona, Shona and Ndebele to and from English / French / Swahili / Chewa)