MAZWI OKUVAMBA
(Introduction)

Muduramazwi rino, takaedza kupakirira mazwi netsananguro dzakawanda chaizvo mubhuku risina kunyanya kukurisa, kuitira mutengo waro uye kuti rive rinotakurika. Nokudaro vaverengi vachaona kuti, kunyange zvazvo mazwi anenge akarongwa tichitevedza urongwa hwemabhii ebumbiro reChiShona ari zviuru gumi nezvitanhatu (16 000) chete, kunenge kuine mamwezve akatowanda zvakapetwa kaviri avanopiwa achiratidzwa kuti anoreva zvirnwe chete neatinowana nokungotevedza Aa kusvika Zz bedzi. Pamusoro paizvozvi, muchaona kuti nguva zhinji dudziro dzinopuwa pazwi rimwe chete imbiri kana kuti nhatu kana kutodarika. Izvi zvinoreva kuti kunyange zvedu tisina kuedza kutsanangura mazwi ose ari mumutauro wese wakadaro, mazhinjizhinji angadiwa kutariswa nevanhu vazhinjizhinji atorimo.

Zvakangodaro hazvo saizvozvo, tanga tiine zvinangwa zvikuru zvitatu panguva yatanga tichiita basa rokuumba duramazwi rino.

Chekutanga kugadzirira varidzi vomutauro weChiShona duramazwi ravangashandisa vachinzwisisa zvirimo nyore nyore, nokuti zvose zvavangade kutarisamo zvinenge zvakatsanangurwa nomutauro wavo, kwete zviya zvokumbotanga mapinda mune rumwe rurimi kuti muzonzwisisa kuti muChiShona izwi rakati rinorevei, rinoshandiswa sei kana kuti rakaumbwa sei, mava kutoita zvokuturikira. Nokudaro tinovimba kuti duramazwi rino richabatsira zvikuru kunyanya vadzidzi nevadzidzisi muzvikoro, vanova ndivo vanhu vanonyanyoshandisa maduramazwi kudarika vamwe vose, uyezve vanga vagara nedambudziko iri kwemakore akawanda chaizvo. Chimwezve chavachabatsirikana nacho zvakanyanya kupiwa nokurongerwa nokutsanangurirwa mazwi ose avangade kushandisa pavanenge vachiita zvidzidzo zveChiShona muChiShona, kunyanya kune divi rezvemaumbirwo omutauro kunova ndiko kwanga kuchinyanya kunetsa.

Chechipiri ndechokuvaka dura romutauro wose zvawo sokuzikanwa kwaunoitwa noruzhinji rwavanhu veChiShona, pasina zviya zvokumbopinza nyaya dzemarudzi nematunhu mukati. Paongororo yedu, takaona kuti zvinhu zvikuru zvinodikanwa navanhu pamutauro ndezvokuti mazwi arimo anorevei, anotaurwa sei, anoshandiswa sei, uye mamwe anoreva zvimwe chete kana kuti akada kufanana nawo ndaapi, kwete kuti kumhiri kwaSave kana kwaMungezi kana kwaMupfure vanoti chii. Maonero edu isusu ndeekuti, kana mazwi achiwanikwa mumutauro wedu akasiyana hawo asi achireva zvimwe chete, ndeedu ose, uye uku ndiko kutoratidza kupfuma komutauro wedu sezvinongoitawo mimwe mitauro yose pasi rose. Saka isu tinoatora ose, toaisa muduramazwi redu, toanyora nechiperengo chakafanira tichitevedza burnbiro remabhii nemavara anoshandiswa pakunyora ChiShona. Tadai saizvozvi, tinosarudza atinenge tichionawo kuti ndiwo anonyanyozikanwa kana kuti kushandiswa nevanhu vakawanda (sezvakaita chibage), toisa tsananguro pasi pawo, kana tozosvika kune mamwe aya akafanana nawo (sezvakaita chibahwe, chibarwe, mabarwe, mabagwe, magwere, mabonore) tozongoti ONA rokuti, tichireva riya rinenge riri iro rakatakura tsananguro yemazwi akafanana acho iwaya. Chimwezve chatakaona isusu ndechekuti zvinhu zvizhinji zvinotaurwa nenyaya dzemarudzi nematunhu ndezvemanyepo, zvakatozouya senhaka yevauyi vakambotitonga kwezana remakore, asi madziteteguru edu akanga asingazvizivi zvose izvozvi kana kuzvidaidza nemazita ava kutopatsanurwa vanhu nawo mazuva ano vachinzi ndiwo marudzi avo anogara umatunhu akatotarwa miganhu. Pamaonere atakaita isu sevapepeti veduramazwi, chikuru ndechokuti mazwi ataisarudza nokutsanangura arimo here mumutauro, nokuti anoshandiswa zvakadii, sei uye achirevei, kwete kuti aya anonzi ndeekudunhu ripi, riri kure zvakadii neHarare.

Zvimwe zvakawanda-wanda izvi zvingazoongororwa hazvo pamwe kana tava kuita mamwe maduramazwi makuru muchirongwa chedu chatinacho, asi pari zvino chikurukuru chataona chinodiwa kusimudzira mutauro weChiShona wose wakadaro, chinova ndicho chinangwa chedu chikuru chechitatu. Duramazwi rakaita serino iri rinobatsira zvikuru kuti vanhu vaite chido chekushandisa mutauro wavo nomazvo, pane zvinhu zvakawanda, uye vachiuukoshesa sechinhu chinovapa chiremera nokuvabatsira mubudiriro youpenyu. Kunotodiwa mamwezve maduramazwi emamwe marudzi akawanda kuti hinangwa ichi chinyatsobudirira. Saka tingangoti ano ndiwo mavambo ataita.

Maduramazwi ose zvawo atiri kutaura aya anobatsira kuti varidzi vomutauro vagone kunyatsodzidzira kuushandisa mukutaura nomuzvinyorwa zvakasiyana. Kana zvadai saizvozvi, vatauri, vanova ndivo varidzi vomutauro, vanenge vava nomukana wokutousimudzira nokuukudziridza pachavo, zvikuru sei kana mutauro wacho uchinyatsoonekwa kuti hapana chatinotadza kuita nawo kana kutsanangura nawo. Neduramazwi rino iri, tatoratidza kuti z.vinogarotaurwa kuti mutauro wedu haugoni kuita chino nechocho manyepo chaiwo. Chinongodiwa chete kupindura mafungiro edu nematarisiro atinozviita savanhu pakati pavamwe vanhu vakazadza pasi rose, tozvisunungura mupfungwa, toshanda mabasa acho anodiwa kuti zvose zvatingade mumutauro wedu zvivepo, wese anenge achizozvida kuzvishandisa azviwane nyore nyore. Hapana chinoramba. Zvakangofanana nenhema dzataimboudzwa kare kuti hapana zvatingagona kuita muChiShona nemakombiyuta nokuti mutauro waasingazivi!

Nechinangwa ichochi chokusimudzira mutauro wese weChiShona wakadaro, chikwata chakazonyora nokupepeta duramazwi rino chakatanga chaita tsvakurudzo kumatunhu ese anotaurwa ChiShona, chichibatsirwa nevamwe vanhu vakawandawo chaizvo vaibva kumativi akasiyana-siyana enyika yeZimbabwe, uyezve vose vari zvizvarwa zvevatauri veChiShona. Vapepeti vakazobudisa duramazwi racho vose zvizvarwa zveChiShona, zvakadzidzira nokuzova vadzidzisi vorurimi rwaamai pamatanho ese kusvikira kumusoro kokupedzisira chaiko. Pamusoro paizvozvi, vapepeti ava vanga vachibatsirwa nemazano nokudzidziswa nzira itsva dzava kushandiswa kugadzira maduramazwi, nenyanzvi dzakangomirira basa irori kumayunivhesiti okuNorway nokuSweden, dzinotovawo dzimwe nyika dzakabudirira chaizvo mune zvese dzichishandisa mitauro yadzo yechizvarwa.

Kunyange zvazvo kukazowanikwa mhosho dzakadii kana kudii zvadzo muduramazwi rino, chinhu chikuru chatinofunga kuti chichafadza vanhu vose ndechokuti nhasi uno tava nedura remazwi eChiShona, rinoadura nokuadudzira nokuatsanangudza mururimi rweChiShona. Vadzidzi nevadzidzisi, nevamwewo vaverengi veChiShona vese vese, vava kukwanisa kutarisa mubhuku vachiwana tsanangudzo nedudziro dzomutauro wavo dziri mumutauro wavo, zvinova zvinhu zvinoyamura kuti zvose zvavanenge vachiverenga zvinyatsovajekera mupfungwa dzavo, sezvinongoitwawo kune mimwe mitauro yose, kusanganisa icho ChiRungu.

Duramazwi rino idanho rokutanga pakuumba maduramazwi erurimi rwaamai anoenderana nemazera akasiyana-siyana, uye matanho edzidzo akasiyana-siyana nezvidzidzo zvakasiyana-siyana, tichitanga naiwo mutauro nouvaranonwe kusvikira tazopedza zvimwe zvose kana nokumasainzi. Nokufamba kwenguva hapana chichazosara chichinzi ichi hachitauriki kana huti hachigoni kudzidziswa neChiShona. Zvinezenge zvava kwatiri isu vanhu kusarudza kuti toshandisa mutauro upi padanho ripi redzidzo, kana kuti muzvidzidzo zvipi padanho ripi, kana kuti mumabasa api, zvichienderana nezvinangwa zvebudiriro yenyika yedu nokufambidzana kwatinenge tichiita nedzimwe nyika dzokunze.

Nerimwezve divi, kunenge kuchiitwa mamwezve mabasa okuita tsvakurudzo dzinozotipa zvinyorwa zvakadai mune mimwe mitauro yedu yechivanhu, zvichireva izvo kuti panotova nezvirongwa zvokusimudzira mitauro yose yavanhu vatema vomuZimbabwe nenzira inoita kuti vanhu tose tive tinoenderana nebudiriro yava kudiwa muupenyu hwamazuva ano.

Kupeji yepamusoro (one page up)
Tarisa Duramazwi reChiShona (look up the Duramazwi reChiShona)
Enda kupeji yemuzinda (back to home page)

Peji yakapedzisira kugadziridzwa 19.11.1999 Oddrun Grønvik (Last updated by ..)