CHIKUMBIRO CHEVANYORI

(Request from the authors)

 

Takaedza pose patinogonera kubudisa chinyorwa chinogutsa munhu wese asi, sezvatioziva tose, hapana mutauro unogona kuiswa wose wakadaro mubhuku rimwe chete nokuti wakakurisa. Mamwe mazwi angatova anowanzoshandiswa anogona kunge akasiyiwa, kana kuti, pane akasarudzwa acho, dzimwe tsananguro dzinenge dzisinganyatsogutsa kana kuti dzakatosiyirirwa.

Nokudaro, tinokumbirisa vose vachashandisa duramazwi rino, kuti mutitaurirewo pese pamunenge maona pakasiyirirwa kana kuti pakakanganiswa. Pachabuda duramazwi irori, tinetenge tava mukati mezvirnwe zvirongwa zvokuita tsvakurudzo yokugadzira mamwe maduramazwi makuru nemadiki emarudzi akasiyana, nokugadziridza irori rokutanga kuitira kuti,

patinozoritsikisa zvekare, rizobuda rakanyatsokwenenzverwa kusvika pokupedzisira chaipo.

Kana paine anenge ane zano kana ripi zvaro, tinokukumbirisai kuti mutibatsirewo, sezvo mutauro wedu iri nhaka yedu tose. Takatosiya nzvimbo kunondoperera mazwi ebhii rimwe nerimwe kuitira kuti, pamunenge muchishandisa duramazwi irori, mupote muchinyora mazwi akasaririra nezvimwewo zvamunoona zvamungade kutizivisa.

Munokwanisa kutiwana pakero nenhare dzinotevera:

Kero:

ALLEX PROJECT
University of Zimbabwe
P. O. Box MP 167
Mount Pleasant
HARARE

Runhare:

(263-4) 303211 ext 1522 / 1458

Nhare yetsamba:

(263-4) 333407

Nhare yekombiyuta:

allex@compcentre.uz.ac.zw

 

 

Kupeji yepamusoro (one page up)
Tarisa Duramazwi reChiShona (look up the Duramazwi reChiShona)
Enda kupeji yemuzinda (back to home page)

Peji yakapedzisira kugadziridzwa 19.11.1999 Oddrun Grønvik (Last updated by ..)