NHURIRO
DURAMAZWI RECHISHONA

(Foreword)


Ndinonzwa mufaro mukuru chaizvo kupa mashoko mashomanene okuturira duramazwi rino kuvanhu veZimbabwe nevamwewo. Zvinotipa rudadiso isu vepaYunivhesiti kuti duramazwi rokutanga-tanga reChiShona, rine tsananguro dzese dzizere mururimi rweChiShona, rakanyorwa nechikwata chenyanzvi dzomutauro dzepaYunivhesiti yedu. Izvi ndizvo zvatakagara tichingokurudzira kuti Yunivhesiti yedu haipo kudzidzisa nokupa madhigirii bedzi, asi kuti ongororo netsvakurudzo dzinoitwa muzvidzidzozvose zvakasiyana zvinofanira kupinda muvanhu, zvichibatsira kusimudzira nyika yose.

Neduramazwi rino, chikwata chevanyori vedu chakwanisa kuita basa rakakosha zvikuru, rokusimudzira mutauro weruzhinji rwenyika yedu nenzira inotipa chiremera tose, nokuti vanhu vasingakoshesi kana kuziva mutauro nounhu hwavo havana anovaremekedzawo. Vanhu vakadai ndevokungotevedzera nokutevera zvinofungwa nevamwe, vasina zvizhinji Zvavanogona kuzvifungira nokuzvirongera vachizvitangirawo ivo pachavo, sezvo tichiziva kuti kufunga kana kurota kwatinoita tinotozviita nomutauro wedu. Zvino, neduramazwi iri, tatopfuura chinhanho chokungozvipa chiremera chete, asi kuti, tatokwanisa kuratidza zvakawanda-wanda zvatinogona kuita nomutauro wedu, kusanganisira zvimwe zvizhinji zvatanga tichitofunga kuti hazvingagoneki. Ndine chokwadi kuti vadzidzi nevadzidzisi vedu kunyanya, nevamwewo vose vanotaura nokunyora norurimi rweChiShona,vachabatsirikana zvikuru kwazvo mumabasa avo akasiyana-siyana.

Tose tinoziva kuti duramazwi ndiro dura romutauro wose, mutauro wacho uri iwo musimboti nechiratidzo chikuru chounhu hwavanhu chero vapi zvavo pasi pano. Zvino nguva yanga yareba zvakanyanya chaizvo vanhu veZimbabwe vakangomirira duramazwi rorudzi urwu.

Tatova netarisiro yokuona zvimwe zvikuru zvichabuda mubasa rechikwata chembongorori dzedu idzi, richaramba richienderera mberi, kusvikira tava nemaduramazwi emarudzi ose anodikanwa, kuti vanhu vakwanise kushandisa mutauro wavo pane zvinhu zvose zvinodiwa mubudiriro noupenyu hwemazuva ano.

Vanhu vese venyika ino tinoti makorokoto kuna Dr. H. Chimbundu nevamwe vavo vechikwata cheALLEX, nevamwe vose vakavabatsira mubasa guru iri, kusanganisira nyanzvi dzema- Yunivhesiti ekuBotswana, Norway (Oslo) neSweden (Goteborg), dzinova dzimwe dzenyika dzatinofambidzana nadzo dzinokoshesawo chaizvo mabasa ebudiriro akadai.

Professor G. L. Chavunduka, BA Calif, MAEcon Manc, PhD Lond

Vice Chancellor, University of Zimbabwe (19 -)

Kupeji yepamusoro (one page up)
Tarisa Duramazwi reChiShona (look up the Duramazwi reChiShona)
Enda kupeji yemuzinda (back to home page)

Peji yakapedzisira kugadziridzwa 19.11.1999 Oddrun Grønvik (Last updated by ..)