MAZANO OKUBATSIRA VANOSHANDISA DURAMAZWI RINO
(user instructions)

Duramazwi idura romutauro wose wakadaro, uye rinoedza kuutsanangura wose wakadaro. Basa raro harisi rokungopa dudziro dzemazwi chete. Pane zvimwe zvinhu zvakawanda chaizvo zvisingawanzotariswa navanhu vazhinji muduramazwi asi zvamunogona kudzidzamo. Nokudaro, zvichakubatsirai zvikuru kana mukatanga nokuverenga zvese zvakanyorwa kubva pamunongovhura butiro kusvikira pamunotanga kuzosangana namazwi akatsanangurwa ari pasi pevara Aa. Saka muchikamu chino tichatsanangura zvimwe zvanga zvasaririra, zvingakubatsirai kuti munyatsonzwisisa kushandisa kwamungaita duramazwi rino zvizere.

Izwi guru netsananguro
(The headword and its definition)

Chinhu chokutanga chinoda kuzikanwa ndechokuti ndezvipi zvinhu zvinotevera izwi guru rinenge riri kwokutanga, rakanyorwa nemavara matema rakabudikira kuruboshwe Kuti tikurumidze kuzvibata, ngatitange nokutarisa mienzaniso yezita, chiito nenyaudzosingwi, anova ndiwo marudzi makuru matatu emazwi anoumbwa mururimi rweChiShona.

 

  1. Zita (Noun)

Somuenzaniso wezita, ngationei mamiriro angaita izwi rokuti mupepeti, iro rakatozoonekwa kuti raifanira kupfekedzerwa papeji 293 duramazwi rino tatokwenenzvera kuti richienda kundotsikiswa:

 


mupepeti
DKKD z 3. Uyu mukuru weboka revanyori rinobudisa pepanhau kana gwaronhau kana bhuku, achisarudza nokugadziridza zvinopindamo, nokunyorawo zvimwe zvacho.Mupepeti wepepanhau reKwayedza anoda kuti ribudiswe mazuva ose.

 

Mumuenzaniso uyu tinotanga kupa izwi guru, toratidzwa mataurirwo aro kuti pavara rimwe nerimwe riri muizwi iroro panokwidzwa izwi (K) neparinodzikiswa (D) ndepapi sokutevedzana kwaanenge achiita, tozoratidza kuti izwi iri izita (z) rudzi rwaro, toisa nhamba yomupanda wozita racho, topa dudziro yezvarinoreva muchirevo, tozopedzisira nokupa muenzaniso wemashandisirwo aringaita mune chimwezve chirevo.

 

(b) Chiito (Verb)

Somuenzaniso wechiito, ngatitarisei -pepeta, izwi guru rinowanikwa papeji 377:

 


-pepeta
K it. Kupepeta kusiyanisa mhunze kubva mumakoto kana mateko, pachishandiswa rusero.

 

Mumuenzaniso uyu tinoona kuti chatava kutora seizwi guru apa idzitsi chete, tobva toratidza nebhii rimwe chete kuti, kana tichitaura chiito ichi chiina ku- kwekutanga, dzitsi racho rose zvaro kana kuti mavara aro mazhinji anenge achikwidzwa izwi here (K) kana kudzikiswa (D). Chinozotevera kuratidza kuti chiito ichi chinoreva chinhu chinogona kuitwa pane chimwe chinhu here (it), kana kuti chinoreva chinhu chinongoitika choga (itik) sezvakaita kufa kana kufema. Chinozopedzisira mumuenzaniso uyu idudziro inenge ichitoshandiswa chiito chacho.

 

(c) Nyaudzosingwi (Ideophone)

Somuenzaniso wenyaudzosingwi, ngatitarisei dau, izwi guru riri papeji 99:

 


dau
[tau] KD ny. 1 Kuti dau kubuda kunoita mbeva kana chimwe chinhu pachinenge chakamanikidzika. Banya rakati dau richibuda mumwena, pakashaya akaona kwarakaenda. FAN svatu. 2 Kuti dau kurovera kunoita bhora pasi richizosimukazve kuenda mudenga. FAN tomu, kwaku.

Mune uyuwo muenzaniso tinoona kuti mamwe mataurirwo angaitwa izwi guru dau anotanga aratidzwa muzvikomberedzo [taul, tozoratidza mataurirwo arinoitwa (KD) nokuti izwi rudzii (ny). Tinoonawo zvakare kuti izwi iri rine dudziro mbiri (1,2). Dudziro yokutanga inoteverwa nomufananidzo wemashandisirwo angaitwa izwi irori richireva zvinotaurwa mududziro iyoyi, asi dudziro yepiri inoteverwa nemamwe mazwi maviri anoreva zvakafanana (FAN) nezwi guru rapuwa pakutanga.

Kupeji yepamusoro (one page up)
Tarisa Duramazwi reChiShona(look up the Duramazwi reChiShona)
Enda kupeji yemuzinda(back to home page)

Peji yakapedzisira kugadziridzwa 19.11.1999Oddrun Grønvik (Last updated by ..)