NZIRA DZAKASHANDISWA KUSARUDZA NOKUTSANANGURA MAZWI ARI MUDURAMAZWI RINO
(Ways used to select headwords and to define words in this dictionary)

Mazwi akasarudzwa
(Headwords selected)

Chinhu chinonetsa chaizvo kusarudza mazwi anopinda muduramazwi rakaita serino. Pane matambudziko akati kuti anosanganikwa nawo pakuita basa guru rakaita sairori, asi makuru acho maviri.

Dambudziko guru rokutanga nderokuti hapana vanhu vomutauro mumwe chete vanotaura zvakafanana nguva dzose, kunyange zvazvo vachinzwanana pakutaura kwavanoita nguva dzose. Mitauro mikuru yose inowanikwa pano pasi inotova nemapazi ayo. Izvi ndizvo zvakangoitawo ChiShona. Mamwe mapazi anoenderana nokupararira kunenge kwakaita varidzi vomutauro munzvimbo namatunhu akasiyana, zvikuru sei kana tava kuenda kumiganhu yenyika inenge yakagarwa nevatauri vorurimi rwumwe chete. Mapazi akadai aya takatotaura nezvawo mumazwi okuvamba, tikati isu muduramazwi rino tanga tichisarudza mazwi kubva kwaari ose, asi tichicherechedza kuti anonyanyozikanwa nokushandiswa navanhu vazhinji ndaapi. Mamwe mapazi omutauro ari maererano nokuti ndiani ari kutaura kuna ani, pachinzvimbo chakaita sei, uye zvaita sei. Umu ndimo matingangoisawo mitauro yevechidiki yokuzvifadza, chibhende nechimanjemanje. Mapazi orudzi urwu tanga tisingaacherechedzi kana kutora mazwi kwaari tichiisa muduramazwi rino.

Chikuru chatakanangana nacho isusu mutauro woruzhinji rwavanhu, asi zvakangodaro hazvo saizvozvo tinofanirawo kucherechedza kuti nguva dzose mutauro unoenda uchishanduka uchikura. Zvino mukukura nokushanduka komutauro imomu ndimo matinowanazve rimwe dambudziko guru pakusarudza mazwi okuisa muduramazwi roruzhinji rwavanhu. Dambudziko racho nderokuti mumutauro munoramba muchingopinda mazwi matsva. Mamwe anopinda achibuda sefashoni, mamwewo anobva atodzika midzi vanhu voramba vachingoashandisa nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana. Zvino isu zvatanga tichiita ndezvokuti aya echizvinozvino anopinda achibuda tanga tichiasiya. Asi dzimwe nguva zvinogona kuita kuti mamwe mazwi mashomanene anombotanga achipinda sefashoni saizvozvi anobva atozodzikawo midzi, sezvakaita chikafu, futseki nahobho. Mamwezve mazwi atanga tichitora ndeaya akabva kune mimwe mitauro achiuya nezvinhu zvakasiyana-siyana, kunyanya midziyo, sezvakaita motokari, firiji nekombiyuta.

Zvino pamazwi emarudzi iwaya atakazosarudza acho taiawanepi? Mamwe takaatora mumaduramazwi akanyorwa kare, mamwe tikazoawanawo mutsvakurudzo dzakaitwa muzvinyorwa nomuvanhu mataifamba.

Mazwi akatanga kusarudzwa ndeanobva muDuramazwi: A Shona-English Dichonary raD. Dale. Mazwi mazhinji emuduramazwi iri akasarudzwa kuti apinde muduramazwi rino. Mashoma asina kusarudzwa akasiyiwa nokuti haanyanyi kushandiswa mumutauro.

Mamwe mazwi akasarudzwazve kubva muStandard Shona Dictionary raM. Hannan. Zvino apa pakaita dambudziko rokuti duramazwi raHannan rine mazwi 54 000, zvichireva kuti paifanira kusarudzwa mashoma sezvo duramazwi rino richitova diki pane iroro, asi riine mamwezve mazwi akatowanda asingawanikwi mune raHannan. Saka muna Hannan mazwi ainyanya kusarudzwa ndeayo atakaona anoshandiswa mumapazi eChiShona akati wandei. xxiv ## Mamwe mazwi akasarudzwa mazhinji akatowanikwa mutsvakurudzo dzakaitirwa kuumba duramazwi rino. Mamwe atakatora ndeayo atakaona kuti anoshandiswa kana kuti anodiwa kushandiswa muzvikoro pazvidzidzo zvemaumbirwo emutauro nouvaranonwe nezvimwewo zvidzidzo. Mamwe anonyanyoshandiswa munhau kana kuti munhepfenyuro nomumapepanhau, kana mumabasa nomumitambo, kana mudzisvondo kana mukushambadza nokutengeserana, nezvimwewo zvakangowanda-wanda. Mutsvakurudzo yakaitwa taiedza kurerutsa matambudziko maviri ambotaurwa nezvawo pamusoro apa, ekukasika kushanduka kunoita mutauro nokufamba kwenguva uye kuwandisa kwemazwi anobva kumapazi emutauro wedu.

Pabasa irori takashanda navanhu vakawanda chose. Vadzidzi vaiita zvidzidzo zveChiShona muna 1993 muBazi reMitauro yeVatema neUvaranonwe paYunivhesiti yeZimbabwe, avo vakadomwa mazita avo murutendo rweduramazwi rino, vakatumwa kundoita tsvagurudzo mumatunhu ose anotaurwa ChiShona muZimbabwe. Mudzidzi oga oga aishandisa dapamazwi kutapa vanhu vachiita hurukuro dzakasiyana-siyana mudunhu raainge apihwa. Hurukuro idzi dzaiva dzemarudzi akasiyana-siyana, dzinosanganisira mitambo ine zvirango neisina, nedzimwewo hurokurodzaifungirwa kuti dzingangoburitsa mazwi akawanda achishandiswa nenzira dzakasiyana.

Panguva imwe chete iyoyi, kune vamwe vakafarirawo chirongwa ichi vakabatsira nenzira dzakasiyana dzakataurwa kare murutendo rweduramazwi rino, kunyanya vebazi rezvedzidzo. Panguva imwe chete iyoyi, kune vamwe vadzidzi vashoma vaiita tsvagurudzo yavo vari muHarare, vachienda kunzvimbo dzinotevera pazasi apa, kwakawanikwa zvinyorwa zvakasiyana nehurukuro dzakasiyana zvakazoshandiswa pakusarudza mazwi:

(Nzvimbo dzakaitwa tsvakurudzo)

Pane mabhuku anoda kusvika makumi matatu euvaranomwe akanyorwa nevanyori vakasiyana-siyana, akaiswa mutombiyuta nemushini unonzi scanner paChiRungu, unokoponora zvakanyorwa papepa uchizviisa mukombiyuta.

Tsvakurudzo iyi yakaburitsa zvuru zvendima dzeChiShona dzakazochengetwa mukombiyuta. Ndima yoga yoga kana hurukuro yoga yoga inenge yakataridzwa kuti yakatorwepi uye kuti yakaitwa nani. Kombiyuta inokwanisa kuratidza kuti izwi roga roga rakashandiswa kakawanda sei pazvinyorwa zvose zvinenge zviri mukombiyuta imomo. Izvi zvakabatsira kuratidza mazwi anonyanya kushandiswa mumutauro, ayo asingafaniri kusara muduramazwi. Kombiyuta inokwanisa zvakare kuburitsa mitsara yose inenge ichiwanikwa izwi raunenge uchida. Izvi zvinorerutsa kuona zvinoreva izwi iroro semashandisirwo arinoitwa nevazhinji, uyezve nokupa mienzaniso yezvirevo zvinenge zvashandiswa izwi racho.

 

Kupeji yepamusoro (one page up)
Tarisa Duramazwi reChiShona(look up the Duramazwi reChiShona)
Enda kupeji yemuzinda(back to home page)

Peji yakapedzisira kugadziridzwa 19.11.1999Oddrun Grønvik(Last updated by ..)