RUTENDO

(Acknowledgements)

Pane nyika, masangano nemayunivhesiti akati kuti, pamwe chete nevanhu vakawanda chaizvo vakabatsira kuti chinyorwa chino chibudirire. Hazvigoni kuti tivadonongodze vose tikavapedza. Tinopa kutenda kukuru kwavari vose, asi pazasi apa tichangodoma vamwe vacho vatawana mukana wokutaura nemazita.

Tinoda kupa kutenda kukurusa kune vakatipa mari zhinji zhinji yaidikanwa kushandisa pazvinhano zvese zvokuronga nokuita basa rakazobudisa duramazwi rino. Kekutanga, tinotenda veNUFU (Norwegian Universities Committee for Development Research and Education) vakatitsigira nemari kubva pakuvamba kwebasa iri. Mari yaibva kuNUFU yaizosvitswa kwatiri neveSUM (Division for North-South Cooperation) vaiva bazi reCentre for Development and the Environment paYunivhesiti yeOslo kuNorway. KuSUM tinotenda vashandi vakaita basa guru vanosanganisira Inger Røste, Mette Topnes naSolveig Aas. Kunze kwerubatsiro rwekutsvaga mari, vashandi veSUM ava ndivo vaironga nezvekushanya kwevapepeti vaibva kuZimbabwe vachienda kuNorway kwemwedzi mitatu mitatu vachindodzidzira basa rokugadzira maduramazwi. VeSUM vakabatsirawo pakuronga misangano yokufambisa basa mberi yaiitirwa muHarare nekuOslo Kubva mugore ral992 kusvika 1996. Muzvirongwa zvese izvi, taibatsirwawo naVaAlexio Gumi, vanoshand ira hofisi yeYunivhesiti yeOslo iri paYunuvhesiti yeZimbabwe, inoona zvokufambidzana kwemayunivhesiti maviri aya.

Kechipiri, tinopa kutenda kwakaenzana nekwatapa pamusoro kune veSIDA (Swedish International Development Agency) vakatipawo rutsigiro rwemari nemichina zvaingoenderana nezvataipuwa neNUFU. VeSIDA vaitipa rubatsiro urwu rwuchiuya nokuYunivhesiti yeGöteborg kuSweden. KuSweden kwakare tinonyanya kutenda Professor Tore Janson, Dean of Arts payunivhesiti iyoyi, vanova ndivo vakatitsigira kubva patakatanga kufunga nezvokuita basa iri nokuzotitsvakira mari yakabva kuSIDA.

Kuno kumusha Yunivhesti yeZimbabwe yakatibatsirawo nenzira dzakawanda chaizvo. Kubva Pakatanga basa regadziriro netsvakurudzo, vakuru vomusha Vice Chancellor Professor G. L. Chavunduka, nevatevedzeri vavo Pro Vice Chancellor Professor F.W.G.Hill naProfessor N. Bhebe, vakatitsigira zvizere. Mapazi eyunivhesiti akasiyana akatibatsirawo mune zvakawanda chaizvo. Tinoda kupa kutenda kwedu kune veResearch Board naSachigaro wavo panguva iyoyo, Dr James Duri, vakatipa imwezve mari yakati wandei, kusanganisira yataibhadhara vadzidzi vepayunivhesiti nevamwewo vaitibatsira kuita tsvakurudzo kumatunhu ese enyika anotaurwa ChiShona uye pakubhadhara vasevenzi vemuhofisi vakatishandira kubvira gore ral993. Tinotendawo zvikuru vemapazi eyunivhesiti aya anoti: vekwaBursar vaitichengetera nokutirongera zvemari nezvekutengwa kwezvinhu, kunyanya VaF.T. Mandeya, VaE. Hove, Muzvare R. Kaseke, VaF.B. Chivinge naVaA. Mapuranga; Dr O.S. Chinyamakobvu naVaR. Muvavarirwa veCAL Project ku Faculty of Engineering nevekuFaculty of Commerce VaA. Arigundia naVaG. Murwira vakatibatsira pane zvemakombiyuta; vanoshanda nemichina kuCentreforEducational Technology VaS. Berejena, VaA. Karuru, VaS. MuJuru naVaB. Chikoore vekuLanguage Centre; vekuReprographic Unit vaitsikisa magwaro ataibudisa gore negore kuratidza kuti basa redu rasvika papi; nevekuAccommodation and Catering Services vaitirongera zvose zvataida panguva dzatainge takaunganirwa nevaenzi nevadzidzi tichifambisa basa redu.

Nokune rimwe divi, tinotendawo Dr Michel Lafon nesangano renyika yeFrance ravaishandira rinonzi IFRA, rakatipawo imwe mari yakatibatsira kupota tichimboshandisawo pane zvimwe zvidiki zvaidikanwa nguva nenguva.

Pazvinhano zvose zvaishandwa basa rakazobudisa duramazwi rino takabatsirwa nemazano akakosha nenyanzvi dzakati kuti dzokuyunivhesiti nhatu dzokunze kwenyika. Kudivi rezvemutauro nemaumbirwo emaduramazwi, takayamurwa zvikuru naMai Oddrun Grønvik vekuYunivhesiti yeOslo, Professor Martin Gellerstam vekuYunivhesiti yeGöteborg, naDr Joseph Tsonope vekuYunivhesiti YeBotswana Vose vari vatatu vanoshandira mapazi emitauro yekunyika dzavo, uyezve vose vakadaro inyanzvi dzebasa irori dzakatomboitawo maduramazwi akasiyana-siyana. Mai Naledi Mothibatsela vekuYunivhesiti yeBotswana vakazombotibatsirawo pachinhano chepamberi.

Kudivi rezvemakombiyuta takayamurwa zvakanyanya nenyanzvi dzepamusorosoro dzokuNorway nokuSweden, dzaiti Dr Christian-Emil Ore naVaLars Jørgen Tvedt vekuYunivhesiti yeOslo naDr Daniel Ridings naVaChristian Sjögreen vekuYunivhesiti yeGöteborg. PaYunivhesiti yeZimbabwe taipota tichibatsirwa nevarume vaviri vanoshanda nemakombiyuta vanoti VaArnold Arigundia naVaGeorge Murwira.

Kuzoti pabasa retsvakurudzo yokuunganidza ruzivo rwomutauro weChiShona rwakazoshandiswa kuumba duramazwi rino, tinofanira kupa kutenda kwedu kune nyanzvi dzakambonyora mamwe maduramazwi eChiShona kare. Kunyange zvavo vaipa tsananguro dzavo muChirungu, maduramazwi maviri akanyanya kutibatsira pane zvimwewo zvataiongorora ndeaya maviri anoti: Standard Shona Dictionary, raBaba M. Hannan, rakazodzokorodzwa nokubudiswa neveCollege Press muna 1981; uye Duramazwi: A Shona-English Dictionary, raBaba D. Dale, rakabudiswa neveMambo Press muna 1981.

Pabasa rakakoshesesa rokuita tsvakurudzo yoruzivo rwomutauro kwese kwese, takabatsirwa nevanhu vakawanda chaizvo vanoshandira masangano nemapazi akasiyana. KuZimbabwe Broadcasting Corporation tinotenda VaH. V. Mlangeni naVaR. Mlambo vaishandira kuPockets Hill kuHighlands, naVaJ. Mutsinze, T. Makoni naV. Tawengwa vaishandira kunhepfenyuro yokuMbare. Tinotendawo VaJ. Chitewe, mupepeti wepepanhau reKwayedza, VaB. Chitsike, mupepeti mukuru weLiterature Bureau, VaI. Johnstone na R. Z. Mareya vekuNational Archives. KuParliament tinotenda Z. Chinyenze, M. Banda naPrince Daniel. KuBazi Rezvekufambiswa Kwemashoko tinotenda W. Ndlovu, B. Chizikaru naL. Maringai. KuMatare Edzimhoswa ekuRotten Row muHarare, tinotenda VaP. Chipokoteke nokutipa mvumo yokukwasha ruzivo, uye vaJ. Musango vanova vaitapa mazwi ezvaiitika mumatare emhosva. VeCollege Press tinovatendawo nokutipa dura remazwi rakabva mumabhuku avakadhinda mururimi rweChiShona.

Tinoda zvakare kupa kutenda kukuru kuvadzidzi vaiva paYunivhesiti yeZimbabwe panguva iyoyi makumi mana nevana, vatakatuma kumativi mana enyika kuti vanokwasha ruzivo kumatunhu ose anotaurwa ChiShona, vanoti:

C. Bosha, N. Chapanda, L. Chatiza, S. Chihamba, C. Chihona, J. Chipunza, S. Chirashanye, S. Chitiza, R. Chuma, R. Gwasira, M. Jambwa, S. Kundishora, J. Machowa, M. Magwenzi, C. Maisva, E. Makuni, S. Mandaza, B. Maringire, T. Masaya, E. Masocha, K. Mawomo, G. Mbulawa, S. Muchabaiwa, C. Mudzamiri, W. Mukome, M. Musundire, C. Mutyamaenza, M.Mutyambizi, S. Njopera, O. Nyabereka, P. Rugoyi, G. Runatsa, T. Shumba, P. Simango, K.Tomu, A. Chapatarongo, C. Chasauka, B. Chihiya, L. Dende, T. Kuhudzai, E. Mafuta, N. Mambanje, J. Mangoma naV. Nyawo.

Tinopawo kutenda kuvakuruvakuru vezvedzidzo vakatibatsira kuwana ruzivo munzvimbo dzatisina kukwanisa kutumira vadzidzi. Ava ndiVa D. Mokina, Mutariri Wezvikoro kuMudzi District, VaS. Tapera, mukuru wechikoro chesekondari cheChimhanda kuRushinga naVaW. Magwa, mudzidzisi weShona paGweru Teachers College.

Tinotendawo ivo vaivhunzwa nevakwashi veruzivo avo nevamwe vose vaibatsira nenzira dzakasiyana mumaruwamo. Tinopa kutenda kunyanya kuna Inspector Washaya veZimbabwe Republic Police kuGuruve, naDr H. Masundire vaishandira ku University Lake Kariba Research Station nokubatsira kwavakaita vadzidzi vaishanda basa iri kumatunhu avo.

Vamwe vadzidzi vashanu vakazotibatsira pane mamwe matanho epamberi anga oitirwa kuhofisi ndeava vanoti Emmanuel Chabata, Muchinda Chinyoka, Beauty Mutenje, Nomalanga Mpofu naBenson Rukasha. Vese vari vashanu vakatombobatsira kutsvaka nokuumba dzimwe tsanangudzo dzemazwi dzakati kuti, uye Emmanuel Chabata naNomalanga Mpofu vakazoramba vachingobatsira -batsirawo kusvika duramazwi ratozobuda.

Tinotenda zvakare vose vakabatsira pakuronga kuti tishanyire makoreji uye zvikoro zviri mudunhu reManicaland muna Gunyana 1994 apo taida kuwana pfungwa dzavanhu maererano nebasa rataiita, kunyanya masarudziro nematsananguririro ataiita mazwi. Vakatipa rutsigiro panguva iyoyi vanosanganisira Mukuru Wedzidzo mudunhu iri nevavaishanda navo, navatungamiri, vatevedzeri vavo uye vadzidzi vepaMutare Teachers College neMarymount Teachers Coüege, kunyanya vemapazi eShona. Tinotendawo vakuru vezvikoro, vatevedzeri vavo uye vadzidzisi veShona vakatibatsira pazvikoro zvesekondari zvinotevera: Mutare Girls High, Mutare Boys High, Gaza High, Mutambara High, Chakohwa, Nyangani, Kriste Mambo, St. Faith's (Rusape) neSt. Joseph (Rusape).

Pese patainge tichiita basa iri, takawana tsigiro izere kubva kune vamwe vose vataishanda navo mubazi repayunivhesiti rezveMitauro yeChivanhu noUvaranonwe.Tinotenda kunyanya vakambobata chigaro chaSachigaro weBazi, Dr. E.M. Chiwome naMai Z. Gambahaya, pamwe chete nevanyori vemuhofisi yebazi irori, Mai S. Kariwo naMuzvare L. Chademana.

Kekupedzisira, tinotenda vashandi vemuhofisi yeALLEX (African Languages Lexical Project) paYunivhesiti yeZimbabwe vatakashanda navo nguva yose iyi. Ava ndivo vanoti Muzvare Sihle Moyo, Muzvare Chipo Maposa, Mai Marble Timbe naMai Rutendo Ruwiza, vanova ndivo vaingoshanda chinyararire mazuva ose, urongwa hwebasa redu huchienderera mberi.

Kupeji yepamusoro (one page up)
Tarisa Duramazwi reChiShona (look up the Duramazwi reChiShona)
Enda kupeji yemuzinda (back to home page)

Peji yakapedzisira kugadziridzwa 19.11.1999 Oddrun Grønvik (Last updated by ..)