ZVIMWEWO ZVINODA KUCHERECHEDZWA
(Other things you need to take note of)

Izwi rinotanga kutsangurwa papeji imwe neimwe rinoratidzwa pamusoro kuruboshwe, rinopedzisira papeji iyoyo richiratidzwawo pamusoro zvakare asi nechokurudyi, sezvakaita gudzazwi nagumamiti papeji 170. Ose ari maviri anenge akanyorwa nemavara makuru makobvu. Izvi zvinobatsira muverengi kuti akurumidze kuwana izwi raanenge achitsvaka, tichitevedza chiperengo nourongwa hwemabhii ari mubumbiro romutauro.

Mazwi ari muduramazwi iri akarongwa zvichitevedzwa mamiriro awo paurongwa hwekuvakwa kwemazwi eChiShona. Mazwi aya haana kukanyaniswa, saka rimwe nerimwe rinotarisirwa kuwanikwa riri panzvimbo parinokodzera kuva riri. Somuenzaniso, kana tikatarisa papeji 4 tinoona mazwi akarongwa seizvi:

bamu

-banda

-bamura

banda

banamhana

bandachakata

Mazwi ose akarongwa nenzira yakada kufanana maererano nokuti chinotanga chii uye chinotevera chii, kusvika kumagumo kwetsananguro yezwi. Panozoita siyano chete kana totarisa marudzi emazwi akasiyana-siyana. Marudzi emazwi anoratidzwa nemavara okudimbudzira anenge akatorwa kubva pamazita awo azere.

Kazhinji tichaonawo kuti izwi riri kutsanangurwa rinenge richiwanikwa mutsananguro zvakare. Kana zvichinge zvakadai, izwi iri rinenge rakanyorwa nemavara akarereka. Kurereka uku kwakafanana nokurereka kwemavara ari mumienzaniso.

Pane mamwe marudzi emazwi asiri zviito, kana izwi richidaidzwa rose rakakwidzwa kana kuderedzwa izwi pamavara aro ose, K naD vanoshandiswawo asi vanenge vane kamutsetse pamberi pavo seizvi K- D- Mienzaniso inotevera ingabatsira:

 

dondoro K- z 5

donje D- z 5

dzvutu D- ny

e-e K- kanu.

Kune mamwe mazwi anogona kuti anotaurwa izwi rakakwidzwa kana kudzikiswa pamavara ose, kana kuti kutevedzana kunoita kukwidzwa nokudzikiswa kweizwi zvinosiyana zvichienderana nemutauri wacho, asi izwi racho richiramba richingoreva zvimwe chete. Mazwi akadai aya anoratidzwa kusiyana kungaita madaidzirwo awo nokushandisa nyora /. Mienzaniso iyi ingatibatsira zvakare:

 

-eka [-ika] K/D rebes

-era [-ira] K/D rebes

fefe D-/K- ny

keche D-/DK ny.

Pane mamwe mazwi anonyorwa achisiyiwa chinzvimbo pakati pawo, sezvingaitwa nyaudzosingwi inotaurwa ichidzokorodzwa. Kana kudaidzwa kwezvipandi zveizwi iri kwakafanana, tinongoratidza madaidzirwo echipandi chokutanga, panzvimbo pechipandi chepiri poiswa nyora + kuratidza kuti zvakangofanana, somuna:

 

chaka chaka DK+

kaba kaba KD+

Mazwi akawanda anoratidza kuti anotaurvva mazwi achichinjaniswa kukwidzwa nokudzikiswa. Izvi tinozviona pamienzaniso inotevera:

 

fedema KKD ny

gachichi DKK z 5

hapeno DKD kanu

haro-o DK kanu

iyewe KDK saz

izvozvi [izvezvi] KDK rp.

Tsananguro dzatakapiwa ndidzo dzatakaona kuti dzinonyanya kukosha pamazwi atakasarudza, asi izvi hazvirevi kuti nguva dzose dudziro dzinenge dzapiwa ndidzo dzoga dzinogoneka. Dzimwe tsananguro dzakasaririra dzichazowanikwa muduramazwi richatevera, rinenge riri guru kudarika rino. Kana pane tsananguro mbiri kana kudarika paizwi rimwe chete, dudziro inotanga kupiwa kazhinji ndiyo inenge iri iyo huru yacho, dzimwe dziri idzo diki dzacho.

Mamwe mazwi akapiwa mienzaniso musure metsananguro asi mazhinji haana. Mazhinji haana mienzaniso nokuda kwozvikonzero zvitatu. Chokutanga ndechokuti tsananguro yacho inenge yakajeka zvokuti hapachadi muenzaniso. Chechipiri ndechokuti kana taipa mienzaniso pamazwi ose, zvaizotora nzvimbo yakakura muduramazwi, zvichizopedzisira zvaita kuti duramazwi rino ringadai rine mazwi mashona akatsanangurwa kana kuti raizokurisa. Chechitatu ndechokuti imwe mienzaniso inotova mutsananguro dzacho. Mienzaniso yose yakapuwa ndeiya yakatoonekwa kuti inobatsira kujekesera muverengi dudziro inenge ichiteverwa nomuenzaniso wacho, somuna -duka:

-duka K itik 1 ........ 2 ........ 3. Kuduka kugara mudzimba duku mamusinganyatsokwana. Iko zvino somumaguta vanhu vogara vakangoita zvokuduka sembeva.

 

Dudziro dzemazwi akangonzi ONA dzinenge dzakapuwa kune mamwe mazwi amunenge muchinzi mundoona iwayo, uyezve kana masvika ikoko kune dudziro kwacho, mazwi mamwe chete iwaya anenge achipuwa kwekupedzisira akanzi FAN, somuna:

 


-svoda
K itik. ONA -nyara


-nyara
K itik. Kunyara kuzvituka kana kuzvishora pamusoro pezvinhu zvakaipa kana zvinosvoresa zvinenge zvaitika. Jaya rakanyara rabatwa risina kupfeka mumbamo. FAN -svoda, -tsveruka.

 

12 (a) Mazita anowanikwa mumipanda ine zvivakashure zvoushoma nouzhinji zvinoenderana, sa3 na4, anongonyorwa nokuratidzwa mipanda yawo ari muushoma bedzi, sokuti:

 

musikana DKDK z 1

mudzi D- z 3.

(b) Mazita anowanikwa akafanana muushoma nemuuwandu anonyorwa achiratidzwa mipanda yawo seizvi:

 

huni K- z 9 > 10.

(c) Mazita akabva kune mimwe mitauro anokwanisa kupinda mumipanda miviri ane manyorerwo awo akasiyana neachangotaurwa pamusoro apa. Ngatitorei semuenzaniso wezita rabha:

 

rabha KD z 5/9 > 10.

 

(d) Mazita ane uwandu neushoma husingateverani, sokuti 9 > 10, anoratidzwa seizvi:

 

yadhi KD z 9 > 6.

 

(e) Mazita emumupanda 5 anochinja bhii redzitsi rokutanga anoratidzwawo seizvi:

 

bako D- z 5 > 6 map-

gwenzi DK z 5 > 6 makw-

 

Kupeji yepamusoro (one page up)
Tarisa Duramazwi reChiShona(look up the Duramazwi reChiShona)
Enda kupeji yemuzinda(back to home page)

Peji yakapedzisira kugadziridzwa 19.11.1999Oddrun Grønvik (Last updated by ..)