MATSANANGUDZIRWO EMAZWI AKASARUDZWA
(Definition formats)

Muduramazwi rino takashandisa dzimwe nzira dzagara dzichingoshandiswa nechekare Pakutsanangura mazwi, asi pane dzimwezve nzira itsva dzamuchaona dzisati dzamboshandiswa muZimbabwe kana kutoti muAfrica yose zvayo semaziviro atinoita. Idzi dzimwe nzira dzacho ndedzinorerekera kune dzakatangiswa mumaduramazwi matsva eChiRungu eCOBUILD, anopa dudziro muzvirevo zvizere zvinogona kutorwazve semienzaniso yokushandiswa kungaitwa izwi rinenge richitodudzirwa racho. Izvi zvinoita kuti dzimwe nguva tsananguro dzirebe, asi dzinenge dzanyatsojeka, uye kazhinji kacho panenge pasisina kodzero yokuti muchipazve mimwe mienzaniso.

Chinhu chikuru chinofanira kunzwisiswa nevaverengi vachashandisa duramazwi rino ndechokuti chirevo chinopuwa setsananguro ichi hachingabvi chadoma zvinhu zvose zvinogona kuitika. Chingangotaura hacho chiitiko chimwe chete, asi izvi zvinenge zvichiitwa nenzira yokuti zvinoreva izwi guru riri kutsanangurwa zvibve zvava pachena, uye nenzira inoitawo kuti muverengi akwanise kuona mamwe mashandisiro aangazoita izwi racho mune zvimwe zvirevo zvakewo zvakawanda. Somuenzaniso, ngatitarisei dudziro yakapuwa nyaudzosingwi kobo:

 


kobo DK ny. Kuti kobo kurira kunoita chinhu chidiki kana chakandwa mumvura.

 

Izvi hazvirevi kuti chinhu chinenge chakandwa chacho chinofanira kuwira mumvura chete. Kana ukakanda dombo diki kana kuti sendi mune zvimwewo zvakaita mvura mvura semukaka kana doro zvinongorirawo zvichidaro. Panenge pachionekwa kuti zvinorehwa zvatojoka, chirevo chakadai ichi chava kutoshanda setsananguro nomuenzaniso zvose pamwe chete. Pamwewo panenge pakakodzera, tinotanga tapa tsananguro iri yega, tozopa muenzaniso kana kuti mienzaniso mumashure kubatsira kunyatsojekesa tsananguro yacho, asi nguva dzese tinenge tichishandisa virevo zvizere.

Zvirevo zvinenge zvichishandiswa izvi zvinenge zvakatoumbwa nenzira dzakafanana dzinoramba dzichingodzokororwa, uye izvi zvichienderana nemarudzi emazwi anenge achidudzirwa acho, ayo atingaisa mumapoka anotevera pazasi apa.

MAZITA (Nouns):

Pamazita, takashandisa nzira shanu:

  1. Kupa tsananguro yezita ine chirevo chinotangiswa nezita racho riri kutsanangurwa richitevererwa nechindori:

 


pfetsu
KD z 5. Pfetsu chipandi chedanda kana huni.

 

 


pfumbamuromo
D- z 9. Iyi imari kana zvimwewo zvinhu zvinopihwa munhu anoziva nezvemhosva nanyakupara mhosva, achiitira kuti munhu iyeye asataura zvaanoziva panyaya iyoyo.

 

Iyi nzira yakashandiswa pamazita akareba zvokuti akaonekwa kuti aizotora nzvimbo Yakakura muduramazwi.


pamuviri
D- z 16. Munhukadzi anonzi ava nepamuviri kana ane mwana mudumbu asi asati azvarwa.

 

4. Kutangisa tsananguro neizwi Kana, richitevererwa nemamwe mazwi anotsigira tsananguro:

 


panze
K- z 16. Kana chinhu chisiri mukati mechimwewo chinhu chinonzi chiri panze.

 

 


papiro
D- z 5. Mapapiro inhengo dzomuviri weshiri dzinoshandiswa pakubhururuka.

 

 

ZVIITO (Verbs):

Pane nzira mbiri dzakashandiswa pakutsanangudza zviito:

  1. Kutanga chirevo chetsananguro neizwi Kana, richiteverwa nedzitsi rechiito chacho chiri kutsanangudzwa rava kutoshandiswa muchiito, semuna:

 

(a)
-pfumbira
D itik. Kana munhu akapfumbira anenge achiratidza kuti ganda remuviri wake rakanaka uye anodya achiguta.

(b)
-pfundunura K it. Kana uchipfundunura unenge uchibvisa panga pakasungwa.

 

 


-pfunza
K it. Kupfunza kubatsira umwe munhu nemazano okuti aite zvinhu negwara rakashata.

 

Nzira mbiri idzodzi ndidzo dzaingoshandiswawo nemadzitsi ezviito akarebeswa nezvivanduriro, somuna -batira na-batika. Chete tanga tichitoita zvokusarudza kuti zviito zvakarebesa zvinoda kutsanangurwa ndezvipi, kazhinji kacho kana zvichionekwa kuti kana chiito chavandurirwa kudai chinozopedzisira chava kureva zvimwewo zvitsva. Somuenzaniso, izwi rakaita sa-bata rikavandurirwa kunzi -batira rinozopedzisira rava kureva zvinhu zviviri. Chokutanga, kubatira munhu chimwe chinhu kufanomuchengetera chinhu ichocho. Chechipiri, kubatira kuvhiringidza mumwe munhu uchimutorera chimwe chinhu kana kumusiya ava pachinhano chisina kunaka. Izvi ndizvo zvimwe chete zvatanga tichingoitawo nezviito zvinoumbwa kubva kunyaudzosingwi, sa-dadabvura kubva kuna dadabvu.

ZVIPAURO (Adjectives):

Pazvipauro, nzira imwe chete ndiyo yakanyanya kushandiswa. Nzira iyi inotanga nezita richizoteverwa nechipauro chine chivakashure, kozouya chindori nemamwe mazwi anotsigira tsananguro:

 


pfupi
KD pr. Chinhu chipfupi ndechisina kureba pamumhu wacho, kubva pasi kusvika pachinogumira.

 

 

NYAUDZOSINGWI (Ideophones):

Nyaudzosingwi dzakatsanangurwa nenzira mbiri:

  1. Kutanga tsananguro neizwi Kuti, richizoteverwa nenyaudzosingwi yacho, kozouya chindori nemamwe mazwi anotsigira tsananguro:

 


pata
DK ny. Kuti pata ruzha runoitwa nechinhu chakaita sedhaka kana poriji, kana zvawira pasi.

 

 


pera pera
DK ny. Kana chinhu chichiti pera pera chinenge chichifamba zvinoratidza kushaya simba.

 

 

MAMWE MARUDZI EMAZWI (Other types of words):

Muzvidudzirachiito, mazwi ekukanuka, mazwi ekuvhunza nemamwe mazwi ose ane mabasa Akasiyana aanoita muzvirevo, takashandisa nzira ina:

  1. Kutanga tsananguro neizwi Kana richiteverwa nechidudziramuiti, sematangiro atinoita Tsananguro yezviito:

 


pada
DK dc. Kana munhu achitipada anenge achireva kuti dzimwe nguva.

 

 


kare
D- dc. Ichi chidudzirachiito chinotaura nguva yakapera kana kuti yakasoopfoura, isingadomwi kana kuti isingachanyatsozivikanwi.

 

 


-pi
K bvunz. Tinoshandisa -pi kana tichibvunza mubvunzo wenzvimbo inenge ichirehwa nemunhu Wakamuonera kupi musikana uyu ?

 

 

(a)
chaizvo
DKD dc. Iri izwi rinoshandiswa kuratidza kuti zvinhu zvaitwa kusvika pakupereredza.

(b)
chose
K- dc. Iri izwi rinoshandiswa kuratidza kuperera kwechiito, richitsinhiridza zvachinenge chichireva. Mukomana uyu anofara chose.

 

Kupeji yepamusoro (one page up)
Tarisa Duramazwi reChiShona (look up the Duramazwi reChiShona)
Enda kupeji yemuzinda (back to home page)

Peji yakapedzisira kugadziridzwa 19.11.1999 Oddrun Grønvik (Last updated by ..)